Σάββατο 24 Φεβρουαρίου 2018

“ ...Vakavhara miromo yeshumba. Vakadzima simba remoto, vakatiza minhondo inopinza, vakasimbiswa pahutere,vakava nesimba pakurwa, vakadzinga hondo dzemamwe marudzi”...


SVONDO YEORTHODHOKISI
MHARIDZO YEMUSI WA 4 KURUME KUBVA MUVHANGERI RAMUSANDE JOHANE 1:44-52
KUBVA KUNA ACHIBHISHOPI SERAFIMU KIKOTISI


 


Greek Orthodox Archbishopric of Zimbabwe
Mifananidzo yacho inobva kuKenya, Uganda neRwanda.
 
Bira resvondo yeOrthodhokisi rakaumbwa mugore ra842 nechinangwa chekuti tikurire pachitendero chechokwadi ( kunamata kwechokwadi> pfungwa dzakanaka> Orthodhokisi) pachimiro uye nehunhu hwaJesu Kristu uye kuti tiremekedze maSande edu kubirikidza nekushandisa mifananidzo inoera.
Zvisinei, zvishoma nezvishoma bira iri rakapararira, ndokuwana chiremerera chikuru nekuti rakatanga kutigadzirira nekutirangaridza kukunda kweOrthodhokisi kubva kune chitendero chisingatendi muna Kristu, kubva kudzidziso dzenhema uye kunyanya kukunda kwekereke kubva kuvavengi vayo. Ndosaka mune dzimwe kereke dzedu dzeOrthodhokisi, seyedu yemuno muAfrica, kuti tiratidze kukunda kwakaita kereke yedu , tinoverenga Rudaviro rwekutenda kwedu semunamato wakakosha uye rwunoisa mazwi mashoma akakosha ayo kereke yedu kuburikidza nemadzibaba edu anoremekedzwa vakapinda mumisangano miviri yekutanga yevakuru vekereke yedu ( Nikeya 325 uye Muguta raKonstandino 381) kuti tiratidzwe midzi yedzidziso dzechitendero dzechikristu.
Bira reOrthodhokisi rakakosha maererano nedzidziso dzezveHumwari kuhupenyu hwemukristu nekuti rinofambirana neruponeso rwake. Mukuedza kukanganisa uye nekureva nhema pamusoro pedzidziso dzemakristu emukereke yedu , varevi venhema vanokanganisa nzira yeruponeso kumunhu, voita kuti agare kure naMwari, uye kure neruponeso rwaKristu, sekuratidzwa kwazvakaitwa neHutatu Hunoera pamwe nedzidziso dzaKristu, naVapostora vanoera nevatevedzeri vavo. Nyaya yeOrthodhokisi yaive yekuburitsa chokwadi pachena. Hunhu hweavo vasingatendi muna Kristu hwaiva hwekuunza manyepo. Nemanyepo munhu haakwanise kusimudzirwa kana kuponeswa. Rima rinomuparadza rinotonyanya maari. Kuwora kunopinda. Tinozozivikanwa nezvimiro zvakaipa zvekurarama nazvo, kudarika mhuka kunge vekuSodhomi neGomora. Kuparadzwa kunovepo, marwadzo zvakare nekurasikirwa neizvo zvatinenge tinazvo.



Munyika yanhasi yebudiriro zvakare yekutambudzika, danho rechitendero chedu nderekuendera mberi kuisa tariro yekurarama kuti tive nenyika iri nani uye yakasunguka. Basa negoho remutendi maererano nezvisimbiswa zvinoiswa nevhangeri , zvinoita kuti ive mharidzo yakanaka yekereke yedu munyika matiri kurarama. Tinokokwa kuti tive Vatumwa vaKristu, tatanga tava vadzidzi vake tiri pedyo naye, tasiya hunhu hwedu hwekare hwezvivi, totanga kuvandudza hupenyu hwedu nekurwisana kuchengetedza mirairo yake inoera. Tinofanirwa kuva nekutenda sekwemaSande edu, sekutaura kwaita musande Pauro muchiverengwa cheVapositori chanhasi, “Avo vakakunda hushe nokutenda kwavo vakaita zvakarurama, vakapihwa zvipikirwa, vakavhara miromo yeshumba. Vakadzima simba remoto, vakatiza minhondo inopinza, vakasimbiswa pahutere,vakava nesimba pakurwa, vakadzinga hondo dzemamwe marudzi. Vakadzi vakapihwa zve vakafa vavo, vamutswa,vamwe vakapurwa, vakaramba kusunungurwa, kuti vawane kumuka kwakapfuura nekunaka. Vamwe vakaedzwa, vachisekwa, vachirohwa zvikuru, uye zve vachisungwa, vachiiswa mutirongo, vakatakwa nemabwe, vakatemwa temwa nejeko, vakaedzwa, vakauraiwa nemunhondo, vakafamba vakafuga matehwe emakwai, nenguvo dzembudzi; vasina chinhu, vachitambudzika, vachiitirwa zvakaipa; (nyika haina kufanirwa navo), vachidzungaira mumarenje, nemumakomo,nemumapako nemumakomba enyika. (VaHebheru 11:33-38).
Kana tikararama muhupenyu hwaKristu tinorarama hupenyu hwechikristu. Chokwadi chinoratidza izvi matambudziko ataurwa namusande Pauro pamusoro kuti anofanirwa kutiwira sekuwira kwaakaita maSande edu muhupenyu hwavo. Kunyangwe tiri mafundisi kana vabatsiri mukereke tinofanirwa kufunga kutaurira vavakidzani vedu zvakanaka, sezvatanzwa mumutsara wevhangeri ranhasi apo Firipi akatsvaga Natanaeri ( Johane 1:46) kuti amukurudzire kuti vave vadzidzi vaKristu: “Huya Uone”.
Dambudziko rinoita avo vasingatendi munaMwari neavo vasina hanya neshoko dzvene nderekuti vanoramba shoko raMwari vasati vazvipa mukana wekuteerera shoko reruponeso rwaJesu Kristu. Vanotirangaridza varwere vasingadi kurapwa nenyaya yekuti havadi kugamuchira kuwanikwa kunoita mishonga nevadzidzi. Nenzira iyi varikuzvidzvanyirira uye nenharaunda yavanogara, nekuti nekumwe kutaura zvinokonzeresa matambudziko akanyanya nekuti rudo rwakanaka harwuonekwi muhupenyu hwavo kana kuti kune vamwe vanhu vavanorarama navo. Sekuti zvakaoma kuti tive madhokotera kana vagadziri vemotokari kana tisina kudzidza kwemakore mazhinji saka nenzira imwe zvakaoma kuti tinzwisise hupenyu hwechikristu kana tikasazvivandudza pakuchengeta mirairo inoera yaJesu Kristu, kudzidza hupenyu hunoera hwekereke yedu uye nedzidziso dzayo. Zvisinei hutsvene hwehupenyu hwedu, kunyanya hweavo vanotitungamirira hunoita kuti tisimbe nekutendeka pakupa mubairo wemharidzo yechikristu kuvanhu kuti vatende vagove masande.



Maererano nezvehuMwari, bira reOrthodhokisi rinotsanangudzwa zvizere mumusangano wevakuru vekereke wechinomwe kutsigira chitendero chedu kuti: “ Sekuona kwakaita Vaporofita, Sekudzidzisa kwakaita Vatumwa, Sekuraira kwakaita vadzidzisi, Sekubvumira kwakaita pasi rose, Sekuratidzwa kwakaitwa nyasha, Sekuburitswa kwakaitwa chokwadi, Sekurambwa kwakaitwa manyepo, Sekupihwa kwakaitwa huchenjeri, Sekupa kwakaita Kristu: ndozvatinotenda, ndozvatinozivisa, ndozvatinoparidza, Kristu ndiMwari wedu wechokwadi, tinoremekedza maSande ake mumazwi, mukufunga, mumipiro mukereke uye nemumifananidzo inoera. Tinorumbidza Kristu saMwari uye saMambo. Tinoremekedza maSande ake sevaranda vaMwari vechokwadi uye tinovapa rukudzo. Ndokutenda kweVatumwa! Ndokutenda kwemadzibaba edu! Ndokutenda kwekereke yedu! Ndokutenda kwakavandudzwa pasi rose. (Tiriodhioni).
Svondo yeOrthodhokisi, izuva reavo vakabva kare vachiramba vakatsungirira mukupupura chitendero chedu munyika yatirikurarama nhasi. Nyasha dzaMwari dzinovapo nekushanda matiri kana hupenyu hwedu hukava pedyo nehupenyu hwaKristu. Nekuva takakodzera kutora nzvimbo musakaramende reChidyo Chinoera, pasi rose rinova nhengo yemuviri wedu. Ndozvakavanzika, zvenyasha dzinoera zvekereke yedu: kunzwisisa, kunzwa nekurarama matambudziko epasi rose seedu. Nyasha dzaMwari dzinorarama matiri, kwete patinotaura zvakanaka nezvehuMwari chete asi neapo patinonzwa shanduko muhupenyu hwedu. Hupenyu hwedu inguva yekutendeuka. Kuti tizive pekugumira, patinokurirwa neapo patinokangisa tinofanirwa kuzvienzanisa nechimiro chaJesu Kristu. Chipi nechipi chinoitika pasina kutenda muna Jesu Kristu, chinogona kuva njodzi yekuita chinhu chakaipa.
Kurarama hunhu hwechikristu, zvinoreva kuti unofanirwa kuita hunhu hwakanaka pose pauri. Hupenyu hweuyo akatendeka hunovanzwa muhupenyu hwaKristu: patinorarama hupenyu hwake, patinotevedzera hupenyu hwake nemabasa ake nepatinoda vanhu vose tovaitira zvatinokwanisa.


Δεν υπάρχουν σχόλια:

Δημοσίευση σχολίου