Σάββατο 7 Μαρτίου 2020

SVONDO YEKUONEKEDZANA KUDYA NYAMA TISATI TAPINDA MUMUTSANYO WERENDI

MHARIDZO YEMUSI WA 19 KURUME 2017 KUBVA MUVHANGERI RAMUSANDE MATEO 25:31-46
KUBVA KUNA ACHIBHISHOPI SERAFIMU KIKOTISI

Mufananidzo kubva pano

Orthodox Archbishopric of Zimbabwe

Svondo yekuonekedzana nekudya nyama yakaiswa nekereke yedu kuti tigadzirire kupinda mumutsanyo werendi wemazuva makumi mana, kuti shoko reruponeso mukati mesvondo rekutambudzwa kwaKristu nePasaka rive rine chinangwa chakakosha mukati mehupenyu hwedu ,munyika matinorarama zuva nezuva zvakare nemuhupenyu husingaperi.
Nziyo, chiverengwa cheVapostora neVhangeri ranhasi zvinoedza kubatanidza kutiradza rudo rwaMwari kwatiri tose, kwete kuedza kushandura hupenyu hwedu chete asi kuti tiponeswe, kuti tigotendeuka pazvivi zvedu zvisati zvitiisa mukuparadzwa kusingaperi tozotadza kuva mumubatanidzwa naMwari.
Kuburikidza netsananguro inoitwa nekereke yedu maererano nekuuya kwaKristu kwechipiri uye nekutongwa kwedu kwekupedzisira, tinooneswa chinangwa chekuponeswa kwedu kuburikidza ,k;netsitsi nenyasha dzaMwari kwatiri tose.
Zita rekuti Svondo yekuonekedzana nenyama rinoreva kuti kubva nhasi tinenge tisisatenderwi kudya nyama. Pakushandisa mutowo uyu, kereke yedu irikuda kuedza kuti tive nechushuwo chakanyanya kuona zvakanaka kubva mune zvakaipa. Svondo yanhasi yakatora zita rayo kubva kumaKristu ekunze kwenyika, zvinoreva kumira kudya nyama.
Kuzivikinwa kwebira iri hazvifambidzane nebira rekusadya nyama ratirikutsanangurirwa nekereke yedu. Tsika iyoyi inofambidzana netsika yeavo vainamata vana Mwari vakawanda, izvo zvinopa mufaro wekunyepa wenguva diki, kwenguva iyoyo zvinozotipa kukanganwa matambudziko atinenge tiinawo.
Kuti tinyatsonzwisise zvinoreva hupenyu hwedu, tatsanangurirwa muvhangeri ranhasi pamusoro peZuva rekutongwa pakuuya kwechiri kwaKristu apo maererano nedzidziso dzechikristu, vanhu vese vachatongwa kunyangwe vachararama muhumambo hwaMwari hwakakomborerwa, kana kuti vachararama mumarwadzo nemukusuwa mugehena. Pachokwadi, Mwari paachatitonga , achatitonga maererano nesarudzo dzatakaita muhupenyu hwedu. Pakusarudza kuita zvakanaka tinosarudza denga. Pakusarudza kuita zvisina kururama pamusoro pevamwe vedu tinosarudza gehena. Kuti tive netarisiro yeParadhiso, mifungo nemabasa edu zvinofanirwa kuva zvakarurama munharaunda. Saka muhupenyu hwedu tikasarudza kuva nerudo tinova netarisiro yeParadhiso. Tikava vanhu vasina hanya uye tizere neruvengo tinokodzera kupinda mugehena.
Rudo chimiro cherusununguko, kurongeka uye kupupura chokwadi. Nekumwe kutaura kutadza kuita zvakanaka, zvinoita kuti tionekwe tiri mukati mekuita zvakaipa, pakupedzisira tinoona kuti zvinokonzereswa neruvengo. Ruvengo rwukanyanya rwunogona kukonzeresa kuuraya. Kana pakasawanika rudo rwakadzama pavanhu , ruvengo rwunotanga kukura. Ruvengo rwunotikomberedza uye rwotanga kutifambisira hupenyu hwedu uye rwoshandura hunhu hwedu. Ruvengo rwunotikanganisa, rwunotiita kuti tive vanhu vakaipa. Pakupedzisira ruvengo rwunouraya muvengi. Uyo anga achivengwa paanosvinudzwa anobva ada kudzorera zvakaipa zvaaiitirwa. Ruvengo harwuna kwarinotisvitsa. Rwunotiendesa mukuparadzwa uye munjodzi. Neruvengo haukwanise kudzikama. Unogara usina zororo uye haubudirire.
Ruvengo rwunoratidza kurarama kusina kubatana uye kusina kumira zvakanaka. Hupenyu hweavo vanovenga hunofambidzana nekuparadzwa uye neminyama. Ruvengo rwunoita kuti uve wakaipa. Rudo harukuponese chete asi rwunoita kuti uve wakanaka nekuti mudzi werudo rwedu irudo rwaMwari. Muporofita Pauro anoti, “Mwari rudo, zvakare uyo anorarama murudo rwaMwari, ana Mwari arikurarama maari.” Saka vhangeri ranhasi rine dingindira rekuti kutongwa kunozouya muhupenyu. Sekuziviswa kwatakaitwa naMambo wedu Jesu Kristu, murawu wenguva yakakosha iyi kuva nerudo, kuva nerudo nevamwe vanhu. Tinoona kuti murawu waMwari, wekuvimba nesu unobva pahunhu hwatinoitira vamwe vedu.
Apo patakapa mvura yekunwa kune uyo akanga aine nyota, patakatambira uyo watanga tisingazive, patakabatsira vanotambura, patakabatsira zvishuvo zvevavakidzani vedu, nezvemunhu wese watakasangana naye .
Mabasa edu ekubatsira uye ekunzwira tsitsi anotimirira maererano nekuyerwa kwemutongo wedu sekutaurwa kwazvaita mumharidzo yevhangeri ranhasi. Tinoziva kuti kune vamwe vanhu vane matambudziko akakura asi Mwari haati tipedze matambudziko enyika yose ipapo. Nyota yenyika yose haikwanise kupedzwa nekatsime kadiki, asi avo vanogara pedyo neavo vanopfuura nepo ndivo vanokwanisa kubatsirikana. Mwari anotikumbira kuita izvo zvatinokwanisa. Anoda kuti mifungo nemabasa edu zvive zvekuda vavakidzani vedu. Kana tichikwanisa kuva nerudo , tinokwanisa kuva nesimba rekuita zvakachangamuka.

Δεν υπάρχουν σχόλια:

Δημοσίευση σχολίου